

“Saka urikutoenda kunodhidha?” vakabvunza VaMhiripiri. “Uri musi wechina kudai, urikutoenda kunodhidha?”
“Ndosaka ndapfeka kadibura kababa. Ndiri kuenda kunodhidha.” Tonde akabuda mugota kuti achonjomare padhuze nababa vake.
“Mombe dzina Brake nhasi. Briliant aripano kuti atsvaire chivanze. Ini kumunda ndakadonhedza chibage kubva musi wemuvhuro. Rovai achauya nehunhi masikati. Ndasiya ndaronga baba.”
“Asi iwe unozviona zvichikodzera kuti mwana wa Sabhuku aende kunodhidha nemusi wechina here? Kuno, chisi musi wechishanu, asi chero musi we svondo unokwanisa kuzorora.” Chiso chava Mhiripiri chairatidza kushungurudzika.
“Zviri munzeve baba, asi ini ndashanyirwa. Mutsawashe akadzoka kubva Harare zuro, saka tiri kuenda kunodhidha. Hamudi muroora here?” Tonde akabvunza achisekerera.
“Iye Mutsa iyeye achapedza danga rose gore rino!” VaMhiripiri vakataura vachisimudza mudonzvo wavo. “Munin’ina wake Rutendo akaroorwa nemombe gumi. Baba vake vaiti mwana wedu ane O Level. Iwe woda Mutsawashe, akaenda ku Teacher’s College?”
“Hamusi imi here sabhuku? Danga redare nderenyu!”
Tonde akange otosimuka, aona Mutsa osvika pamusha pavo. “Ndokuonai manheru!”
Tonde akasviko mbundira mudiwa wake Mutsawashe.
“Hesi.”
“Ndeipi.”
“Ndanga ndakusuwa.”
“Neniwo.”
Vakatanga kufamba vakananga kurwizi. Tonde akanga akabatana maoko nemusikana wake. Ainzwa kuti maoko aya manyoro, zvaimufadza kwazvo. Aiti akatarisa Mutsawashe chiso aibva anyara achitarisa kudivi. Iye obva atonyanya kutapirirwa netsvarakadenga yake.
Kadibura rakanga rakapfekwa naMutsa, pamwe chete nenhumbi yekumusoro wake zvairatidza kuti akaumbwa. Akabatana. Anonwisa Mvura! Mune rimwe ruoko, Mutsawashe akanga akatakura tsapo ine tauro, nhumbi dzekupinda mumvura, pamwe chete nemafuta.
“Izvi zvave zveku Harare manje izvi.”
“Zvipi ko nhai iwe tonde?”
“Zvekatsapo izvo”
“Aaaa…. Kasi urikuda kuti ndipinde mumvura ndakashama?”
“Ko taimbobhaguja takashama wani?”
“Aiwaka, ipapo takanga tichiri vana ka… Aaa”
“Eheka. Ndofarira kuita mwana”
“Uchiri kutaura zvekuva mwana kana wakutaura zvekuita vana?”
“Ndiri kutaura zvekudhidha ndakashama”
“Iweweka. Ini, kana Uchida izvozvo wototanga waroora”
“Manje manje bhebhi. Manje manje”
The above post was written in Shona, a native language to the people of Zimbabwe